Numeri 14:24 - Compare All Versions
Numeri 14:24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwokuti muranda wangu Karebhu ano mweya wakasiyana navamwe uye anonditevera nomwoyo wose, ndichamupinza munyika yaakaenda kwairi, uye ichava nhaka yezvizvarwa zvake.
Numeri 14:24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomwoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.
Numeri 14:24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake.
Numeri 14:24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
asi muranda waŋgu Karebi, nokuti wakaŋga anomumŋe mŋeya mukati make, akanditeʋera nomŋoyo wose, ndiye wandicapinza munyika maakambopinda; icaʋa yaʋana ʋake.
Numeri 14:24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake.