Numeri 17:8 - Compare All Versions
Numeri 17:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi.
Numeri 17:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fume mangwana Mosesi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.
Numeri 17:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mangwana acho Mosesi akapinda mutendhe rouchapupu wanei tsvimbo yaAroni wedzinza raRevhi yabukira yava nematungirwa yava nemaruva namaarimondi akaibva.
Numeri 17:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Fume maŋgwana Mosesi akapinda mutente recipupuriro, ʋonei tȿimbo yaAroni yeimba yaRevi yakaŋga yaɓuka, yaʋa namaɓukira, yaɓuɗisa maruʋa, yaɓereka maamanda akaŋga aibva.
Numeri 17:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwana acho Mosesi akapinda mutendhe rouchapupu wanei tsvimbo yaAroni wedzinza raRevhi yabukira yava nematungirwa yava nemaruva namaarimondi akaibva.