Numeri 20:12 - Compare All Versions
Numeri 20:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”
Numeri 20:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.”
Numeri 20:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.”
Numeri 20:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa.
Numeri 20:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.”