Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 22:27 - Compare All Versions

Numeri 22:27 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake.

Pakurirana nevamwe
Numeri 22 BDSC

Numeri 22:27 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake.

Pakurirana nevamwe
Numeri 22 SNA2002

Numeri 22:27 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake.

Pakurirana nevamwe
Numeri 22 SCLBD

Numeri 22:27 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaʋata pasi, Barami ari pamsoro payo; Barami akatsamŋa, akaroʋa mboŋgoro netȿimbo yake.

Pakurirana nevamwe
Numeri 22 SUB1949

Numeri 22:27 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake.

Pakurirana nevamwe
Numeri 22 SCLB