Numeri 22:31 - Compare All Versions
Numeri 22:31 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka akakotama akawira pasi nechiso chake.
Numeri 22:31 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.
Numeri 22:31 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara.
Numeri 22:31 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Jehova akaȿinudza meso aBarami, akaʋona mutumŋa waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi neciso cake.
Numeri 22:31 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara.