Numeri 22:32 - Compare All Versions
Numeri 22:32 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waJehovha akamubvunza achiti, “Warovereiko mbongoro yako rutatu rwose urwu? Ini ndauya pano kuzokudzivisa nokuti nzira yako haina kururama kwandiri.
Numeri 22:32 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu.
Numeri 22:32 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.”
Numeri 22:32 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Mutumŋa waJehova akati kwaari: Waroʋereiko mboŋgoro yako ɀino katatu? Tarira, ini ndimene ndaɓuɗa kuzokudziʋisa, nokuti nzira yako inoʋaʋarira kuneɀakaipa pamberi paŋgu.
Numeri 22:32 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.”