Numeri 9:23 - Compare All Versions
Numeri 9:23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sokurayira kwaJehovha, vaidzika musasa, uye sokurayira kwaJehovha, vaifamba. Vakateerera kurayira kwaJehovha, maererano nokurayira kwake kubudikidza naMozisi.
Numeri 9:23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvavairairwa naJehovha, vaidzika matende avo; sezvavairairwa naJehovha, vaifamba; vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, sezvakarairwa Jehovha nomuromo waMosesi.
Numeri 9:23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Kudzika matendhe kwavo nokutama kwavo, kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi vachiteerera zvainge zvatemwa naTenzi sokutaurirwa kwainge kwaitwa Mosesi naTenzi.
Numeri 9:23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Seɀaʋairairwa naJehova, ʋaidzika matente aʋo; seɀaʋairairwa naJehova, ʋaifamba; ʋaiceŋgeta ɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, seɀakaraira Jehova nomuromo waMosesi.
Numeri 9:23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kudzika matendhe kwavo nokutama kwavo, kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi vachiteerera zvainge zvatemwa naTenzi sokutaurirwa kwainge kwaitwa Mosesi naTenzi.