Zvirevo 1:1-4
Zvirevo 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri: kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano
Zvirevo 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri. Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera
Zvirevo 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tsumo dzaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri dzokuti vanhu vazive ungwaru nezvidzidzo kuti vanzwisise mashoko ezvakadzama, dzinoitawo kuti munhu adzidze uchenjeri, ururami, noruenzaniso nokuva pachokwadi. Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo vapiwe uchenjeri nevechidiki kufunga.
Zvirevo 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀireʋo ɀaSoromoni, mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri: Kuti ʋanhu ʋaziʋe ʋucenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara, Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera
Zvirevo 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)