Zvirevo 3:13-15
Zvirevo 3:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa, nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
Zvirevo 3:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama. Unokosha kupfuura korari; Hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.
Zvirevo 3:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakomborerwa munhu anowana ungwaru, munhu anowana kunzwisisa, nokuti zvinowanikwa mahuri zviri nani pano zvinowanikwa musirivha uye zvibereko zvahwo zvinokunda zvibereko zvendarama. Ungwaru hwakakosha kukunda zvishongo, hapana chaungade chingaenzaniswe nahwo.
Zvirevo 3:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu, wawana ʋucenjeri, unomufaro, Naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuʋuwana ibgo kunopfuʋura kuwana sirveri; Nokuʋufuma ibgo kunopfuʋura kufuma ndarama. Ʋunokosha kupfuʋura korari; Hakunefuma yako iŋgaenzaniswa nabgo.
Zvirevo 3:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)