Zvirevo 6:16-19
Zvirevo 6:16-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka; Mwoyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama.
Zvirevo 6:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa, chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
Zvirevo 6:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane zvinhu zvitanhatu zvisingadiwi naTenzi zvinotosvika zvinomwe zvinosemesa kwaari, zvinoti: Kuzvikudza, nokunyepa maoko anodeura ropa risina mhosva nomwoyo unoronga zvirongwa zvakaipa netsoka dzinomhanyirira kune zvakaipa chapupu chenhema chinotaura manyepo munhu anomutsa gakava pakati pehama.
Zvirevo 6:16-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinhu ɀitanhatu ɀiri’ko ɀinoʋeŋgwa naJehova; Ɀirokwaɀo, tiŋgati kuneɀinomŋe, ɀinomunyaŋgadza, ɀinoti: Meso ounoɀikudza, rurimi runoreʋa nhema, Maʋoko anoɗurura ropa risinemhaka; Mŋoyo unofuŋga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuʋaŋgira ɀakashata; Capupu cinonyeŋgera cinoreʋa nhema, Ʋuye unokusha kupesana pakati pehama.
Zvirevo 6:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)