Mapisarema 133:1-3
Mapisarema 133:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana! Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake. Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.
Mapisarema 133:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo Kana hama dzichigara pamwechete norugare. Zvakafanana namafuta anokosha ari pamusoro, Anoyerera pandebvu, Idzo ndebvu dzaAroni; Anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake; Zvakafanana nedova reHerimoni, Rinoburukira pamakomo eZioni; Nokuti ndipo Jehovha paakaraira kuropafadza kwake, Ndihwo upenyu husingaperi.
Mapisarema 133:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tarirai muone kufadza kwazvinoita kana hama nehama dzichidyidzana. Zvakafanana namafuta anokosha ari mumusoro anoyerera pandebvu, pandebvu dzaAroni achiyerera pamakutu egemenzi rake. Zvakafanana nedova regomo reHerimoni dova rinowira pamusoro pamakomo eZioni nokuti chikomborero chakanzi naTENZI chivepo nokusingaperi.
Mapisarema 133:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, kunaka kwaɀo nokufadza kwaɀo Kana hama dzicigara pamŋe cete norugare. Ɀakafanana namafuta anokosha ari pamusoro, Anoyerera pandebvu, Idzo ndebvu dzaAroni; Anoɓurukira kuȿikira pamipendero yeŋguʋo dzake; Ɀakafanana neɗoʋa reHermoni, Rinoɓurukira pamakomo eZioni; Nokuti ndipo Jehova paakaraira kuropafadza kwake, Ndibgo ʋupenyu ʋusiŋgaperi.
Mapisarema 133:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)