Mapisarema 77:1-2
Mapisarema 77:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoridza mhere kuna Mwari, mhere kuna Mwari kuti andinzwe. Nezuva rokutambudzika kwangu ndinotsvaka TENZI. Usiku ndinosimudza maoko angu ndisinganeti, mweya wangu unoramba kunyaradzwa.
Mapisarema 77:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
Mapisarema 77:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichadana kuna Mwari nezwi rangu; kuna iye Mwari nezwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri. Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
Mapisarema 77:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaɗana kunaMŋari nenzwi raŋgu; Kunaiye Mŋari nenzwi raŋgu, ucarerekera nzeʋe yake kwandiri. Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndakatȿaka Ishe; Ruʋoko rwaŋgu rwakaŋga rwakatambanudzwa ʋusiku, ndisiŋgaregi; Mŋeya waŋgu wakaramba kunyaradzwa.