Mapisarema 95:6-7
Mapisarema 95:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 95Mapisarema 95:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu. Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu izwi rake!
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 95Mapisarema 95:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 95Mapisarema 95:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai, tinamate tikotamire pasi; Ŋgatifugame pamberi paJehova Muiti weɗu. Nokuti ndiye Mŋari weɗu, Isu tiri ʋanhu ʋanofudzwa naye, namakwai oruʋoko rwake. Nhasi ɗai mucinzwa henyu inzwi rake!
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 95