Zvakazarurwa 10:1
Zvakazarurwa 10:1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvakazarurwa 10Zvakazarurwa 10:1 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvakazarurwa 10Zvakazarurwa 10:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazoona mumwe mutumwa ane simba achibva kudenga akaputirwa negore aine muraraungu pamusoro pake. Uso hwake hwakanga hwakaita sezuva; makumbo ake akanga akaita semisimboti yemoto.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvakazarurwa 10