Zvakazarurwa 11:6
Zvakazarurwa 11:6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.
Zvakazarurwa 11:6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Zvakazarurwa 11:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vane simba rokupfiga denga kuti mvura irege kunaya pamazuva ukuporofita kwavo. Vane simba pamusoro pemvura rokuipindura kuva ropa uye rokurova nyika namatenda pavanenge vangodira zvavo.
Zvakazarurwa 11:6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa.