Zvakazarurwa 12:1-2
Zvakazarurwa 12:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake. Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona.
Zvakazarurwa 12:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kudenga kwakaonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona ine nyeredzi dzine gumi nembiri; iye akanga ane mimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.
Zvakazarurwa 12:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mudenga makaonekwa chiratidzo chinokatyamadza chomudzimai akatenderedzwa nezuva mwedzi uri pasi petsoka dzake, aine ndaza mumusoro yenyenyedzi gumi nembiri. Akanga akazvitakura achichema nokurwadziwa ava kupona achitambudzika pakusununguka.
Zvakazarurwa 12:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kuɗeŋga kwakaʋonekwa ciratidzo cikuru ici: Mukadzi, wakaŋga akapfeka zuʋa, mŋedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri; iye wakaŋga anemimba, akaɗanidzira pakupona kwake, acitambudzika pakuɀara.
Zvakazarurwa 12:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)