Zvakazarurwa 12:9
Zvakazarurwa 12:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.
Zvakazarurwa 12:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo.
Zvakazarurwa 12:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zigaranyanya guru riya rakakandidzirwa pasi, ndiyo nyoka iya yapasichigare inonzi Dhiabhori kana kuti Satani munyengedzi wapasi pose. Akakandidzirwa pasi; vatumwa vake vakakandidzirwawo pasi pamwechete naye.
Zvakazarurwa 12:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyeŋgeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, naʋatumŋa ʋayo ʋakakandirwa pasi pamŋe cete nayo.
Zvakazarurwa 12:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)