Zvakazarurwa 13:14-15
Zvakazarurwa 13:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama. Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe.
Zvakazarurwa 13:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kuna vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo chakararama. Chikapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.
Zvakazarurwa 13:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvishamiso izvozvo zvachaibvumirwa kuita pamberi pechikara chiya chainyengedza vagari vapasi, chichivati vaite chifananidzo chechikara chakakuvadzwa nebakatwa chiya, asi chikararama. Chakabvumidzwa kupa chifananidzo chechikara chiya mweya unofema zvokuti chifananidzo chechikara chaitogona kutaura. Uye kuti vanenge vasina kugwadama vachinamata chifananidzo chechikara vauraiwe.
Zvakazarurwa 13:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
cinonyeŋgera ʋanogara panyika neɀiratidzo ɀacakapiwa kuti ciɀiite pamberi pecikara; ciciti kunaʋanogara panyika kuti ʋaitire cikara mufananidzo, ciya cakaŋga cineʋaŋga romunondo cikararama. Cikapiwa masimba okupa mufananidzo wecikara mŋeya, kuti mufananidzo wecikara utaure, ciraire kuti ʋose ʋasiŋganamati mufananidzo wecikara ʋaʋurawe.
Zvakazarurwa 13:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)