Zvakazarurwa 13:16-17
Zvakazarurwa 13:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
Zvakazarurwa 13:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo; kuti munhu arege kuvapo anogona kutenga nokutengesa, asi iye ane chiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
Zvakazarurwa 13:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uye chinoitawo kuti vose vakuru navaduku, vapfumi navarombo vose vakasununguka navarandawo, vaiswe mucherechedzo paruoko rworwudyi kana pahuma. Zvokuti hapana anogona kutenga kana kutengesa kunze kokunge anomucherechedzo, zvichireva zita rechikara ichocho kana kuti nhamba yezita racho.
Zvakazarurwa 13:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cinomanikidza ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, ʋafumi naʋarombo, ʋakasunuŋguka naʋaranda, kuti ʋapiwe ciratidzo muruʋoko rwaʋo rworudyi, kana pahuma yaʋo; kuti munhu arege kuʋa’po unogona kuteŋga nokuteŋgesa, asi iye uneciratidzo, iro zita recikara kana ciʋereŋgo cezita raco.
Zvakazarurwa 13:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)