Zvakazarurwa 20:12
Zvakazarurwa 20:12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.
Zvakazarurwa 20:12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
Zvakazarurwa 20:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku vakamira pamberi pechigaro choumambo. Mabhuku akazarurwa. Kwakazarurwawo rimwe bhuku. Iroro ndiro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo zvichifambirana nezvavakanga vaita.
Zvakazarurwa 20:12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakaʋona ʋakafa, ʋaɗuku naʋakuru, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe; buku dzikazarurwa, neimŋe buku yoʋupenyu ikazarurwa; ʋakafa ʋakatoŋgwa neɀakaŋga ɀakanyorwa mubuku, seɀaʋakaɓata.
Zvakazarurwa 20:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)