Zvakazarurwa 20:13-14
Zvakazarurwa 20:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri.
Zvakazarurwa 20:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.
Zvakazarurwa 20:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungwa rakaburitsa vakafa vaiva mariri. Rufu nenzvimbo yavafi zvakaburitsawo vakafa vakanga vari mazviri; vose vakatongwa maererano nezvavakanga vaita. Rufu nenzvimbo yorufu zvakakandwa muzidziva romoto. Urwu ndirwo rufu rwechipiri; dziva romoto.
Zvakazarurwa 20:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Guŋgwa rikaɓuɗisa ʋakafa ʋakaŋga ʋari mariri; norufu neHadesi ɀikaɓuɗisa ʋakafa ʋakaŋga ʋari maɀiri; mumŋe nomumŋe akatoŋgwa seɀaakaɓata. Ipapo rufu neHadesi ɀakakandirwa mudziʋa romŋoto. Ndirwo rufu rwecipiri, ndiro dziʋa romŋoto.
Zvakazarurwa 20:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)