Zvakazarurwa 22:18-19
Zvakazarurwa 22:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.
Zvakazarurwa 22:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinopupurira mumwe nomumwe anonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iri; kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pamuti woupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
Zvakazarurwa 22:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoyambira munhu wose anonzwa mazwi okuporofita omubhuku rino. Munhu anoawedzera, Mwari achamuwedzerawo pfumvu dzakatsanangurwa mubhuku rino. Munhu anobvisawo mamwe mazwi okuporofita uku Mwari achabvisa mugove wake uri mumuti woupenyu nomugove wake muguta dzvene zvinotsanangurwa mubhuku rino iri.
Zvakazarurwa 22:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko okuprofita kwebuku iyi, ndiciti: Kana munhu akawedzera paɀinhu iɀi, Mŋari ucawedzera kwaari maɗambudziko akanyorwa mubuku iyi; kana munhu akabvisa mashoko ebuku yokuprofita uku, Mŋari ucabvisa mugoʋe wake pamuti woʋupenyu, nomuguta dɀene, napaɀinhu ɀakanyorwa mubuku iyi.
Zvakazarurwa 22:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)