Zvakazarurwa 7:9
Zvakazarurwa 7:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure mezvi ndakatarisa ndikaona manyoremanyore avanhu vasingaverengeki, vamarudzi ose, namadzinza ose navanhu vose nendimi dzose vamire pamberi pechigaro choumambo napamberi peHwayana vakapfeka magemenzi machena vaine mirara mumaoko vachidaidzira nezwi guru vachiti
Zvakazarurwa 7:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.
Zvakazarurwa 7:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena, vakabata muchindwe mumaoko avo
Zvakazarurwa 7:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona ʋazhinji‐zhinji ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa nomunhu, ʋakabva kundudzi dzose, namarudzi, naʋanhu, nendimi, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peGwaiana, ʋakapfeka ŋguʋo cena, ʋakaɓata micindwe mumaʋoko aʋo
Zvakazarurwa 7:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)