Zvakazarurwa 9:3-4
Zvakazarurwa 9:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika. Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
Zvakazarurwa 9:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muhutsi makabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika. Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
Zvakazarurwa 9:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muhutsi ihwohwo makabuda mhashu panyika dzakapiwa simba rinenge ramarize apanyika. Dzakaudzwa kuti dzisaparadze uswa hwenyika kana chii zvacho chinyoro kana muti zvawo, asi kuti dziparadze vanhu vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.
Zvakazarurwa 9:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muʋutsi makaɓuɗa mhashu dzikaʋuya panyika, dzikapiwa simba sesimba reɀinyaʋaɗa ɀenyika. Dzikaʋudzwa kuti dzirege kutadzira ʋuswa bgenyika, necinhu cinyoro, kana miti yose, asi ʋanhu ɓedzi ʋasinecisimbiso caMŋari pahuma dzaʋo.
Zvakazarurwa 9:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)