VaRoma 11:17-18
VaRoma 11:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi, musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai.
VaRoma 11:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi; usazvikudza pamusoro pamatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
VaRoma 11:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai.
VaRoma 11:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, kana mamŋe mataʋi akavuniwa, iwe, muorivi wokuɗondo ukaɓatanidzwa pakati pawo, ukaʋa nomugoʋe pamŋe cete nawo pamudzi napamafuta omuorivi; usaɀikudza pamsoro pamataʋi; kana uciɀikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
VaRoma 11:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)