VaRoma 16:25-27
VaRoma 16:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende, kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.
VaRoma 16:25-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iye, anogona kukusimbisai, sezvinoreva Vhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurehwa nguva dzisingaperi, asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarayirwa naMwari asingaperi, kuti vateerere nokutenda; iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
VaRoma 16:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena. Uye nezvakanyorwa navaporofita zvikazoziviswa kumarudzi ose maererano nezvakanzi naMwari wokusingaperi ngazviziviswe kuti kuve nokuteerera kunounzwa nechitendero. Mbiri ngaipiwe kuna Mwari oga anoungwaru nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
VaRoma 16:25-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iye, unogona kukusimbisai, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kweɀakaʋanzika, ɀisina‐kurebga ŋguʋa dzisiŋgaperi, asi ɀino ɀinoratidzwa nokuziʋiswa kumarudzi ose, naMagwaro aʋaprofita, seɀakarairwa naMŋari usiŋgaperi, kuti ʋaterere nokutenda; iye Mŋari wakacenjera oga, ŋgaaʋe nokubginya naJesu Kristu nokusiŋgaperi. Ameni.
VaRoma 16:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)