VaRoma 3:25-26
VaRoma 3:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
VaRoma 3:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
VaRoma 3:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
VaRoma 3:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
iye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti ɀiʋi ɀakaitwa kare ɀakaregerwa, Mŋari aciʋaitira mŋoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
VaRoma 3:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)