VaRoma 6:4-11 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 6:4-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari. Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu.
VaRoma 6:4-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuo tifambe noupenyu hutsva. Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake; tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi; nokuti akafa, aruramiswa pazvivi. Zvino kana takafa pamwechete naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwechete naye; tichiziva kuti Kristu, amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake. Nokuti pakufa kwake, akafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, anorarama kuna Mwari. Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu.
VaRoma 6:4-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa. Nokuti kana takaʋa ʋamŋe naye pakufanana naye parufu rwake, ticaɗaro ʋo pakumuka kwake; ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi; nokuti wakafa, waruramiswa paɀiʋi. Ɀino kana takafa pamŋe cete naKristu, tinotenda kuti ticararama ʋo pamŋe cete naye; ticiziʋa kuti Kristu, amutswa kuʋakafa, haacazofi; rufu harucaʋi nesimba pamsoro pake. Nokuti pakufa kwake, wakafa kamŋe kwaɀo kuɀiʋi; ɀino pakurarama kwake, unorarama kunaMŋari. Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu.
VaRoma 6:4-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva. Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye. Tinoziva kuti Kristu zvaakamutswa kuvakafa haachazofazve. Rufu haruchamutongazve. Nokufa kwaakaita, kuchitadzo, akava munhu akafa chakamwe asi upenyu hwake iye zvino anoraramira Mwari. Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu.
VaRoma 6:4-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)