Varoma 6
6
Kufa kuzvivi ndihwo upenyu kuna Mwari
1Zvino tichatiiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here? 2Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo? 3Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? 4Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuo tifambe noupenyu hutsva. 5Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake; 6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi; 7nokuti akafa, aruramiswa pazvivi. 8Zvino kana takafa pamwechete naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwechete naye; 9tichiziva kuti Kristu, amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake. 10Nokuti pakufa kwake, akafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, anorarama kuna Mwari.
11Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu.
12Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo; 13uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari. 14Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurayiro asi pasi penyasha.
15Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurayiro here, asi pasi penyasha? Haisva! 16Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama? 17Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.
18Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama. 19Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene. 20Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.
21Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu. 22Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi. 23Nokuti mubayiro wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002