Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 7

7
Kufa kumurayiro ndihwo upenyu kuna Mwari
1Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murayiro), kuti murayiro unobata munhu nguva yose youpenyu hwake? 2Nokuti mukadzi, anomurume, akasungwa nomurayiro kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, asunungurwa pamurayiro womurume. 3Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, achanzi chipfeve asi kana murume wake afa, asununguka pamurayiro, zvino haazi chipfeve kunyange akawanikwa nomumwe murume. 4Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurayiro nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. 5Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurayiro, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.
6Asi zvino takasunungurwa pamurayiro, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
7Zvino tichatiiko? Murayiro zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murayiro usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murayiro usina kuti, “Usachiva;” 8zvino zvivi zvakawana nzira nomurayiro, zvikaita mandiri mitoo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurayiro zvivi zvakafa. 9Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa; 10nomutemo iwo waifanira kuisa kuupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu; 11nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera, zvikandiuraya nawo.
12Naizvozvo murayiro mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka. 13Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haisva! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo. 14Nokuti tinoziva kuti murayiro ndowemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.
15Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda; asi zvandinovenga, ndizvo zvandinoita.
16Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murayiro wakanaka 17Zvino handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. 18Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. 19Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.
20Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
21Naizvozvo ndinowana murayiro uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. 22Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; 23asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. 24Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu?
25Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murayiro wezvivi.

Zvasarudzwa nguva ino

Varoma 7: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda