VaRoma 8:16-17
VaRoma 8:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.
VaRoma 8:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye.
VaRoma 8:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye.
VaRoma 8:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya amene unopupurirana nomŋeya weɗu, kuti tiri ʋana ʋaMŋari; ɀino kana tiri ʋana, tiri ʋadyi ʋenhaka; ʋadyi ʋenhaka yaMŋari, ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete naKristu; kana ticitambudzika pamŋe cete naye, tigokudzwa ʋo pamŋe cete naye.
VaRoma 8:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)