VaRoma 8:38-39
VaRoma 8:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
nokuti ndine chokwadi chokuti hapana rufu kana upenyu kana vatumwa kana vano ukuru ukuru kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvichauya kana masimba, kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu.
VaRoma 8:38-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 8:38-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
VaRoma 8:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti ndine chokwadi chokuti hapana rufu kana upenyu kana vatumwa kana vano ukuru ukuru kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvichauya kana masimba, kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu.
VaRoma 8:38-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinoziʋa kwaɀo kuti kunyaŋge rufu, kana ʋupenyu, kana ʋatumŋa, kana ʋakuru, kana ɀaɀino, kana ɀinoʋuya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana cinhu cimŋe cakasikwa, haɀiŋgagoni kutiparadzanisa noruɗo rwaMŋari, ruri munaKristu Jesu, Ishe weɗu.