Tito 3:1-2
Tito 3:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose.
Tito 3:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uvayeuchidze kuti vazviise pasi pavabati navane simba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka, varege kurevera mumwe zvakaipa, vaitire vanhu vose unyoro hwose.
Tito 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Yeuchidza vanhu ivavo kuti vazviise pasi pavatongi navabati venyika kuti vave vanhu vanoteerera uye kuti vave vakagadzirira kuita basa ripi neripi zvaro rakanaka; vasingatauri zvakaipa zvaani nani zvake, vanzvenge kupopotana navanhu; vave vanhu vakanyorova uye varatidze rukudzo rwakaperera kuna vanhu vose.
Tito 3:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uʋayeʋudzire kuti ʋaɀiise pasi paʋaɓati naʋanesimba, kuti ʋaterere, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋakaɀigadzira kuɓata maɓasa ose akanaka, ʋarege kureʋera mumŋe ɀakaipa, ʋarege kuʋa negakaʋa, ʋaʋe ʋanyoro, ʋaitire ʋanhu ʋose ʋunyoro bgose.
Tito 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)