Tito 3:4-6
Tito 3:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu, akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu
Tito 3:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi unyoro hwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvaonekwa, akatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene, waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu
Tito 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu
Tito 3:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋunyoro bgaMŋari, Muponesi weɗu, noruɗo rwake kuʋanhu, ɀakati ɀaʋonekwa, wakatiponesa, asiŋgaɀiiti nokuɗa kwamaɓasa akarurama, atakaŋga taita isu, asi nokuɗa kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuɓerekwa kutȿa, nokuʋandudzwa noMŋeya Mutȿene, waakaɗurura aciwanza pamsoro peɗu, naJesu Kristu Muponesi weɗu
Tito 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu