Zekaria 12:10
Zekaria 12:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uye ndichadurura mweya wenyasha newokunyengetera paimba yaDhavhidhi uye napavagari veJerusarema. Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema souya anochema mwana wake mumwe oga, uye vachachema kwazvo souya anochema mwanakomana wedangwe.
Zekaria 12:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.
Zekaria 12:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndichanyatsopinza muimba yaDhavhidhi nomuvagari veJerusaremu mweya wetsitsi nowokunamata zvokuti vachatarisa kwaari iye wavanenge vabaya. Vachamuchema sokuchema kunoita munhu anochema mwana anga achingova mumwechete oga, vachamuchema zvinosiririsa sokuchema kunoita munhu dangwe rechikomana.
Zekaria 12:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaɗira mŋeya wenyasha nowokunyeŋgetera pamsoro peimba yaDavidi, napamsoro paʋagere Jerusarema; ʋacanditarira ini, waʋakabvoʋora; ʋacamucema iye, somunhu unocema mŋanakomana wake mumŋe cete, ʋacaʋa neshuŋgu kwaɀo pamsoro pake, somunhu uneshuŋgu pamsoro pomŋana wake weɗaŋgwe.
Zekaria 12:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)