Zvawanikwa pakutsvaga
Mapisarema 24:8 (BDSC)
Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.
2 VaKorinde 11:29 (BDSC)
Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu?
Jobho 41:26 (BDSC)
Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.
Mapisarema 68:34 (BDSC)
Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga.
Ruka 10:19 (BDSC)
Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.
VaHebheru 9:17 (BDSC)
nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu.
2 VaKorinde 13:9 (BDSC)
Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe.
Joere 3:10 (BDSC)
Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”
Ezekieri 34:16 (BDSC)
Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira.
Jobho 28:25 (BDSC)
Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura,
Numeri 14:17 (BDSC)
“Zvino simba raJehovha ngariratidzwe, sezvamakataura muchiti:
Numeri 23:22 (BDSC)
Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati.
Johani 10:18 (BDSC)
Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
VaRoma 13:1 (BDSC)
Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.
VaHebheru 12:12 (BDSC)
Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba.
Isaya 35:3 (BDSC)
Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera;
Mapisarema 29:4 (BDSC)
Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa.
Jobho 12:16 (BDSC)
Simba nokukunda ndezvake; anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
Mapisarema 82:4 (BDSC)
Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
1 VaKorinde 1:27 (BDSC)
Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba.
1 VaKorinde 4:10 (BDSC)
Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa!
Zvakazarurwa 13:7 (BDSC)
Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose.
1 Petro 5:6 (BDSC)
Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
VaRoma 4:21 (BDSC)
achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.
VaGaratia 4:11 (BDSC)
Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.