Zvawanikwa pakutsvaga
Jobho 41:22 (BDSC)
Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo.
Jobho 39:21 (BDSC)
Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.
Isaya 41:6 (BDSC)
mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!”
Mapisarema 78:42 (BDSC)
Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
Jobho 26:2 (BDSC)
“Ndiweka wakabatsira vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!
Jobho 22:9 (BDSC)
Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera.
Jobho 20:11 (BDSC)
Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.
Jobho 21:7 (BDSC)
Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
Jobho 12:21 (BDSC)
Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
Mapisarema 22:12 (BDSC)
Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
Mapisarema 37:17 (BDSC)
nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
Mapisarema 135:10 (BDSC)
Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba,
1 Samueri 2:4 (BDSC)
“Uta hwavarwi hwatyorwa, asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.
Vatongi 5:22 (BDSC)
Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira, kumhanya, kumhanya kwoune simba.
Dhanieri 10:18 (BDSC)
Zvakare, mumwe akanga akafanana nomunhu akandibata akandipa simba.
VaHebheru 11:34 (BDSC)
vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi.
2 VaKorinde 13:10 (BDSC)
Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.
Dhanieri 8:24 (BDSC)
Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene.
Dhanieri 10:19 (BDSC)
Akati, “Usatya, iwe munhu anokudzwa zvikuru. Rugare! Iva nesimba zvino, simba.” Paakataura neni, ndakabva ndasimba ndikati, “Taurai Ishe wangu, sezvo mandipa simba.”
Mateo 12:29 (BDSC)
“Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
Ruka 20:8 (BDSC)
Jesu akati, “Neniwo handichakuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.”
Johani 5:27 (BDSC)
Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.
1 VaKorinde 15:56 (BDSC)
Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.
1 VaKorinde 12:22 (BDSC)
Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,
Dhanieri 11:15 (BDSC)
Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira.