Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga

Jeremia 5:16 (BDSC)

Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba.

Mapisarema 63:2 (BDSC)

Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.

Mapisarema 72:13 (BDSC)

Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.

Mapisarema 81:1 (BDSC)

Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!

Jobho 6:12 (BDSC)

Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here?

Isaya 19:9 (BDSC)

Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.

Isaya 25:3 (BDSC)

Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai; maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai.

Isaya 13:7 (BDSC)

Naizvozvo maoko ose achashaya simba, mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika.

Zvirevo 23:11 (BDSC)

nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.

Zvirevo 30:25 (BDSC)

Masvosve zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:

Zvirevo 30:26 (BDSC)

mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

Zvirevo 30:30 (BDSC)

shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;

Zvirevo 31:3 (BDSC)

usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.

Isaya 10:34 (BDSC)

Achatema matenhere esango nedemo; Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.

Jobho 21:23 (BDSC)

Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akachengetedzeka uye akagadzikana,

Isaya 14:10 (BDSC)

Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.”

Mapisarema 21:13 (BDSC)

Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.

Mapisarema 29:11 (BDSC)

Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Mapisarema 41:1 (BDSC)

Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

Mapisarema 111:6 (BDSC)

Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

Mapisarema 118:14 (BDSC)

Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.

Mapisarema 136:18 (BDSC)

uye akauraya madzimambo ane simba, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Mapisarema 147:5 (BDSC)

Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.

Dhanieri 7:26 (BDSC)

“ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi.

Dhanieri 11:42 (BDSC)

Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapunyuki.