Zvawanikwa pakutsvaga
Zvirevo 3:22 (BDSC)
zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.
Zvirevo 8:35 (BDSC)
Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
Jobho 36:14 (BDSC)
Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
Zvirevo 4:13 (BDSC)
Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
Johani 6:47 (BDSC)
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.
Zvirevo 4:22 (BDSC)
nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
Mapisarema 103:4 (BDSC)
anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,
Jobho 33:20 (BDSC)
saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.
Jobho 33:18 (BDSC)
kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
Zvirevo 19:8 (BDSC)
Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.
Zvirevo 1:18 (BDSC)
Varume ava vanovandira ropa ravo vomene; vanozvivandira ivo pachavo!
Zvirevo 20:2 (BDSC)
Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.
Jobho 33:28 (BDSC)
Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’
VaRoma 8:6 (BDSC)
Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;
Zvirevo 13:3 (BDSC)
Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.
1 Johani 5:12 (BDSC)
Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
Johani 10:15 (BDSC)
Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
Amosi 2:15 (BDSC)
Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.
Muparidzi 7:12 (BDSC)
Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
Mateo 20:28 (BDSC)
sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
1 Samueri 26:24 (BDSC)
Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.”
Mako 10:45 (BDSC)
Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
Jeremia 8:3 (BDSC)
Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
Mapisarema 31:10 (BDSC)
Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika.
Jeremia 39:18 (BDSC)
Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”