Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga

Mako 5:32 (BDSC)

Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.

Mateo 16:13 (BDSC)

Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?”

Ruka 19:3 (BDSC)

Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.

Johani 4:10 (BDSC)

Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”

Johani 6:64 (BDSC)

Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.

Mako 1:34 (BDSC)

uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

Mateo 21:23 (BDSC)

Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?”

Ruka 22:63 (BDSC)

Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova.

Ruka 22:64 (BDSC)

Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

Mako 5:31 (BDSC)

Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”

Johani 5:13 (BDSC)

Murume uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.

Johani 5:14 (BDSC)

Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora. Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.”

Johani 6:65 (BDSC)

Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”

Johani 5:12 (BDSC)

Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko murume uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?”

Ruka 9:46 (BDSC)

Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.

Johani 6:63 (BDSC)

Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.

Mateo 26:68 (BDSC)

uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”

Mateo 26:69 (BDSC)

Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”

Mako 5:30 (BDSC)

Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”

Ruka 9:47 (BDSC)

Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.

Mateo 21:22 (BDSC)

Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”

Ruka 7:40 (BDSC)

Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.” Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”

Mateo 21:24 (BDSC)

Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi.

Johani 4:11 (BDSC)

Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi?

Johani 4:9 (BDSC)

Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)