1
Genesi 15:6
Shona Bible 1949, revised 2002
Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
ஒப்பீடு
Genesi 15:6 ஆராயுங்கள்
2
Genesi 15:1
Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, “Usatya Abhuramu; ini ndiri nhoo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.”
Genesi 15:1 ஆராயுங்கள்
3
Genesi 15:5
Akamubudisa panze akati, “Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga.” Akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”
Genesi 15:5 ஆராயுங்கள்
4
Genesi 15:4
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, “Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.”
Genesi 15:4 ஆராயுங்கள்
5
Genesi 15:13
Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana
Genesi 15:13 ஆராயுங்கள்
6
Genesi 15:2
Abhuramu akati, “Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kani?”
Genesi 15:2 ஆராயுங்கள்
7
Genesi 15:18
Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
Genesi 15:18 ஆராயுங்கள்
8
Genesi 15:16
Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.”
Genesi 15:16 ஆராயுங்கள்
முகப்பு
வேதாகமம்
வாசிப்புத் திட்டங்கள்
காணொளிகள்