Ruka 14
14
Jesu unoporesa munhu unorukandwe.
1Ɀino wakati apinda mumba momumŋe waʋakuru ʋaʋaFarise nomusi wesaɓata kuzodya ɀokudya, ʋakamucerekedza. 2Ɀino kwakaŋga kunomumŋe munhu pamberi pake waiʋa norukandwe. 3Ipapo Jesu akapindura, akataura kuʋaɗudziri ʋomurairo nokuʋaFarise, aciti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesaɓata here, kana kwete? 4Ʋakaramba ʋanyerere. Ɀino akamutora, akamuporesa, ndokumuendisa. 5Akati kwaʋari: Ndianiko pakati penyu, uŋgati, kana mŋanakomana wake, kana ŋombe yake yawira mugomba, uŋgarega kuiɓuɗisa pakarepo nomusi wesaɓata? 6Ʋakasagona kupindura ɀe pamsoro paiɀoɀi.
Kuɀininipisa.
7Ɀino wakataura mufananidzo kunaʋakakokerwa, nokuti wakaʋona ʋaciɀisanaŋgurira ɀigaro ɀapamberi, akati kwaʋari: 8Kana iwe uciŋge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pacigaro capamberi; ɀimŋe mumŋe, unokudzwa kupfuʋurewe, wakokerwa ʋo naye; 9ɀino wakakukokera iwe naye, uŋgaȿika, akati kwauri: Ibva’po, munhu uyu agare; ipapo ucataŋga kugara kucigaro ceshure ucinyara. 10Asi kana wakokerwa, enda ugare pacigaro ceshure, kuti uyo wakakukokera, kana aciȿika, agoti kwauri: Shamŋari, pinda mberi! Ɀino ucakudzwa we pamberi paʋose ʋagere pakudya newe. 11Nokuti mumŋe nomumŋe unoɀikudza, ucaninipiswa; ʋuye mumŋe nomumŋe unoɀininipisa, ucakudzwa.
12Akati ʋo kunowakamukokera: Kana wagadzira ciȿuȿuro kana cirayiro, usaɗana shamŋari dzako, kana ʋanuŋuna ʋako, kana hama dzako, naʋafumi ʋokwako, kuti ʋarege kukukokera ɀe, ugoripirwa. 13Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere ʋarombo, neɀirema, naʋanokamhina, namapofu. 14Ipapo ucaropafadzwa, ɀaʋasinaɀaʋaŋgakuripira naɀo, nokuti ucaripirwa pakumuka kwaʋakarurama.
Mufananidzo wecirayiro cikuru.
(Mat 22:1–14)
15Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari! 16Iye akati kwaari: Mumŋe munhu wakagadzira cirayiro cikuru, akakokera ʋazhinji. 17Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino. 18Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere. 19Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere. 20Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi. 21Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina. 22Muranda akati: Ishe, iɀo ɀamaraira, ɀaitwa, asi nɀimbo ici’po. 23Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, uʋagombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare. 24Nokuti ndinoti kwamuri: Hakunomumŋe kunaʋarume aʋo ʋandakokera, ucaraʋira cirayiro caŋgu.
Kuteʋera Jesu.
(Mat 10:37–39)
25Ɀino ʋazhinji‐zhinji ʋakafamba naye; akatendeʋuka, akati kwaʋari: 26Kana munhu aciʋuya kwandiri, asiŋgaʋeŋgi ɓaɓa ʋake namai, nomukadzi, naʋana, naʋanuŋuna, nehanɀadzi, kunyaŋge noʋupenyu bgake ʋo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. 27Aninani usiŋgatakuri mucinjikwa wake, akaʋuya shure kwaŋgu, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. 28Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo? 29Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋanoɀiʋona, ʋasataŋga kumuseka, 30ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa. 31Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, anaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri? 32Kana asiŋgagoni, unotuma nhume, iye aciri kure, kundokumbira mashoko orugare. 33Saiɀoɀo ʋo, aninani kwamuri usiŋgasiyi ɀose ɀaanaɀo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. 34Munyu wakanaka; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? 35Haucineɓasa pamunda, kana paɗutu romupfudze; ʋanourashira kunze. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
Kasalukuyang Napili:
Ruka 14: SUB1949
Haylayt
Ibahagi
Kopyahin
Gusto mo bang ma-save ang iyong mga hinaylayt sa lahat ng iyong device? Mag-sign up o mag-sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018