YouVersion Logo
تلاش

Genesi 14

14
Abrama unorwira Roti. Unosoŋgana naMerkizedeki.
1Ɀino neŋguʋa yaAmraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedori‐raomeri, mambo weErami, naTidari, mambo weGoyimi, 2ʋakarwa naBera, mambo weSodoma, naBerisha, mambo weGomora, naShinabi, mambo weAdama, naShemeberi, mambo weZeboimi, namambo weBera (rinonzi ʋo Zoari). 3Aʋa ʋose ʋakasoŋgana mumupata weSidimi (ndiro Guŋgwa roMunyu). 4Ʋakaŋga ʋaʋa ʋaranda ʋaKedori‐raomeri makore anegumi namaʋiri, ʋakamumukira negore regumi namatatu. 5Ipapo Kedori‐raomeri wakaʋuya negore regumi namanna, namadzimambo aakaŋga anawo, akakunda ʋaRefaimi paAshteroti‐karnaimi, naʋaZuzimi paHami, naʋaEmimi paShave‐kiriataimi, 6naʋaHori pagomo raʋo reSeiri, kuȿikira paErparani, pedyo nesaŋgo. 7Ʋakadzoka, ʋakaȿika Enimishpati (rinonzi ʋo Kadeshi), ʋakakunda nyika yose yaʋaAmareki, naʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere paHazazonitamari. 8Ɀino mambo weSodoma, namambo weGomora, namambo weAdama, namambo weZeboimi, namambo weBera (rinonzi ʋo Zoari), ʋakaɓuɗa ʋakagadzira hondo kuzorwa naʋo pamupata weSidimi; 9kuti ʋarwe naKedori‐raomeri, mambo weErami, naTidari, mambo weGoyimi, naAmraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo manna kuti arwe namadzimambo mashanu. 10Ɀino mupata weSidimi wakaŋga uzere namakomba anebitumini, madzimambo eSodoma neGomora ʋakatiza ʋakawira’mo; ʋakasara ʋakatizira kugomo. 11Ʋakatora fuma yose yeSodoma neGomora, neɀokudya ɀaʋo ɀose, ʋakaenda. 12Ʋakatora ʋo Roti, mŋanakomana womunuŋuna waAbrama wakaŋga agere paSodoma, nefuma yake, ʋakaenda. 13Ɀino mumŋe wakaŋga apukunyuka wakaȿika, akaʋudza Abrama, muHeberu; iye wakaŋga agere pamiti yemiouki yaMamre, muAmori, munuŋuna waEshkori, nomunuŋuna waAneri; aʋa ʋakaŋga ʋaita suŋgano naAbrama 14Ɀino Abrama wakati acinzwa kuti hama yake yatapxa, akaraira ʋarume ʋake ʋakaŋga ʋadzidziswa kurwa, ʋakaɀarwa paimba yake, ʋanamazana matatu negumi naʋasere, akaʋateʋerera kuȿikira paDani; 15akakamura ʋarwi ʋake ʋusiku, iye naʋaranda ʋake, akaʋakunda, akaʋateʋerera kuȿikira paHoba, riri kurudyi rweDamasiko. 16Akadzosa fuma yose, akadzosa ʋo Roti, hama yake, nefuma yake, naʋakadzi ʋo naʋanhu. 17Ipapo mambo weSodoma wakaɓuɗa kundosoŋgana naye pakudzoka kwake pakuʋuraya Kedori‐raomeri namadzimambo akaŋga anaʋo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo). 18Merkizedeki, mambo weSaremi, akaʋuya neciŋgwa newami; iye wakaŋga ari muprista waMŋari woKuɗeŋga‐ɗeŋga. 19Akamuropafadza, akati: Abrama ŋgaaropafadzwe naMŋari woKuɗeŋga‐ɗeŋga, muridzi wokuɗeŋga napasi. 20Mŋari woKuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgaakudzwe, wakapa ʋaʋeŋgi ʋenyu mumaʋoko enyu. Akamupa cegumi ceɀose. 21Ɀino mambo weSodoma akati kunaAbrama: Ndipe ʋanhu, iwe utore hako fuma. 22Abrama akati kunamambo weSodoma: Ndakasimudzira ruʋoko rwaŋgu kunaJehova, Mŋari woKuɗeŋga‐ɗeŋga, muridzi wokuɗeŋga napasi, 23kuti handiŋgatori rucinda kana rukanda rweshaŋgu, kana cinhu cimŋe ceɀinhu ɀenyu, kuti murege kuzoti: Ndini ndakafumisa Abrama; 24ini handiɗi haŋgu, asi ɀakadyiwa namajaya cete, nomugoʋe waʋanhu ʋakaenda neni, ʋanaAneri, naEshkori, naMamre, ŋgaʋatore migoʋe yaʋo.

موجودہ انتخاب:

Genesi 14: SUB1949

سرخی

شئیر

کاپی

None

کیا آپ جاہتے ہیں کہ آپ کی سرکیاں آپ کی devices پر محفوظ ہوں؟ Sign up or sign in