1
Ekisodho 4:11-12
Shona BIBLE
SUB
Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here? Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.”
Ṣe Àfiwé
Ṣàwárí Ekisodho 4:11-12
2
Ekisodho 4:10
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyangwe zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.”
Ṣàwárí Ekisodho 4:10
3
Ekisodho 4:14
Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mosesi, akati, “Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumwoyo make.
Ṣàwárí Ekisodho 4:14