Ekisodho 10:21-23
Ekisodho 10:21-23 SUB
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.” Mosesi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu; havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana VaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.

