Genesi 11
11
Ruȿiŋgo rweBaberi.
1Nyika yose yakaŋga inorurimi rumŋe nokutaura kumŋe. 2Ɀino ʋakati ʋacitamira mabvazuʋa, ʋakawana ɓani munyika yeShinari, ʋakagara’ko. 3Ʋakataurirana, ʋaciti: Ʋuyai, ŋgatiite ɀitina, tiɀipise kwaɀo. Ɀitina ɀakaʋa mabge aʋo, nebitumini rakaʋa ɗope raʋo. 4Ʋakati: Ʋuyai, ŋgatiɀiʋakire guta, noruȿiŋgo, runomusoro unoȿikira kuɗeŋga; tiɀimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose. 5Ipapo Jehova wakaɓuruka kuzotarira guta noruȿiŋgo, rwakaŋga ruciʋakwa naʋanakomana ʋaʋanhu. 6Jehova akati: Tarirai, ʋanhu aʋa ndiʋamŋe, ʋanorurimi rumŋe ʋose; ɀino ndiɀo ɀaʋanotaŋga kuita; ɀino hakucinecinhu caʋaŋgaɗa kuita caʋaŋgadziʋiswa. 7Hendei, tiɓuruke, tindopesanisa rurimi rwaʋo ipapo, kuti ʋarege kunzwana kana ʋotaurirana. 8Jehova akaʋaparadzira ipapo, ʋakapararira panyika yose, ʋakarega kuʋaka guta raʋo. 9Naiɀoɀo ʋakaritumidza Baberi, nokuti ipapo Jehova wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehova akaʋaparadzira ipapo, ʋakaenda kunyika dzose.
Ʋanakomana ʋaShemi.
10Ndiwo marudzi aShemi. Shemi wakaŋga anamakore anezana, akaɓereka Arpakshadi, mvura zhinji yapfuʋura makore maʋiri; 11wakati aɓereka Arpakshadi, Shemi akagara makore anamazana mashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
12Arpakshadi wakagara makore anamakumi matatu namashanu, akaɓereka Shera; 13wakati aɓereka Shera, Arpakshadi akagara makore anamazana manna namatatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
14Shera wakagara makore anamakumi matatu, akaɓereka Eberi. 15Wakati aɓereka Eberi, Shera akagara makore anamazana manna namatatu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
16Eberi wakagara makore anamakumi matatu namanna, akaɓereka Peregi, 17wakati aɓereka Peregi, Eberi akagara makore anamazana manna namakumi matatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
18Peregi wakagara makore anamakumi matatu, akaɓereka Rehu; 19wakati aɓereka Rehu, Peregi akagara makore anamazana maʋiri namapfumbamŋe, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
20Rehu wakagara makore anamakumi matatu namaʋiri, akaɓereka Serugi; 21wakati aɓereka Serugi, Rehu akagara makore anamazana maʋiri namanomŋe; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
22Serugi wakagara makore anamakumi matatu, akaɓereka Nahori; 23wakati aɓereka Nahori, Serugi akagara makore anamazana maʋiri, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
24Nahori wakagara makore anamakumi maʋiri namapfumbamŋe, akaɓereka Tera; 25Nahori akagara makore anezana negumi namapfumbamŋe, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
26Tera wakagara makore anamakumi manomŋe, akaɓereka Abrama naNahori, naHarani.
27Ndiwo marudzi aTera: Tera wakaɓereka Abrama, naNahori, naHarani; Harani akaɓereka Roti; 28Harani akafa, ɓaɓa ʋake Tera ʋaciri ʋapenyu, panyika yokuɓerekwa kwake, paUri yaʋaKardia. 29Abrama naNahori ʋakaɀiwanira ʋakadzi; zita romukadzi waAbrama rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, ɓaɓa ʋaMirika, naɓaɓa ʋaIsika. 30Sarai wakaŋga asiŋgaɓereki, wakaŋga asinomŋana. 31Ɀino Tera wakatora mŋanakomana wake Abrama, naRoti, mŋanakomana waHarani, mŋanakomana womŋanakomana wake, naSarai, mukadzi womŋanakomana wake Abrama; ʋakatama naʋo ʋakabva Uri yaʋaKardia, kuti ʋaende kunyika yeKanani, ʋakaȿika Harani, ʋakagara’po. 32Mazuʋa aTera akaŋga ari makore anamazana maʋiri namashanu; Tera akafira Harani.
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018