Mavambo 17
17
Kudzingiswa, chiratidzo chechitenderano
1Abhuramu paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe, Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Ndini Aripagomo.#17:1 Aripagomo: MuchiHebheru zita iroro ndiElShaddai. Tevera gwara rangu uvewo munhu akarurama. 2Ndichaita chitenderano changu newe, ndichaitawo kuti uve nezvizvarwa zvakawanda kwazvo.” 3Abhuramu akati pasi gwadagwa akatyora uso, Mwari ndokuti, 4“Chitenderano changu newe ndechichi: uchava baba vendudzi zhinji zhinji dzavanhu. 5Zita rako harichanzi Abhuramu, asi rava kunzi Abhurahamu nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji dzavanhu.
6“Ndichakupa vana vakawanda, mauri muchabva ndudzi dzakawanda, uye muchabudawo madzimambo mazhinji.
7“Ndichaita chitenderano changu newe chichagara nokusingaperi chinosvikira kuvana vako pazvizvarwa zvavo zvose zvichauya chokuti ndichava Mwari wako nowavana vako vachauya. 8Ndichapa iwe navana vako vachauya nyika ino yauchiri kumboti apa garei tamei apa garei. Nyika yose yeKanani ichava yavana vako narini wose, ini ndichava Mwari wavo.” 9Mwari akataurira Abhurahamu kuti, “Unofanira kuchengeta chitenderano changu newe, iwe navana vako vachauya pazvizvarwa zvavo zvose. 10Chitenderano changu chaunofanira kuchengeta, iwe nezvizvarwa zvako zvichauya, ndechichi chokuti, mwana wose mukomana pakati penyu ngaadzingiswe. 11Munofanira kudzingiswa. Kudzingiswa ikoku ndiko kuchava chiratidzo chechitenderano changu nemi. 12Pazvizvarwa zvenyu zvose, mwana mukomana anenge ava namazuva masere okuberekwa pakati penyu ngaadzingiswe, angave mwana womuranda wako akaberekwa mumusha mako kana womuranda wokutenga nemari yako, asiri worudzi rwako. 13Naizvozvo varanda vanoberekwa mumusha mako navaunotenga nemari yako, vose ngavadzingiswe. Nokudaro kudzingiswa ndiko kuchava chitenderano changu nemi chisingaperi chiri pamuviri wenyu. 14Munhurume wose anenge asina kudzingiswa, upenyu hwake nevokwake ngahugurwe nokuti atyora chitenderano changu.”
15Mwari akataurirazve Abhurahamu kuti, “Mudzimai wako Sarai, chirega kunge uchamudaidza nezita rokuti Sarai, zita rake rava kunzi Sara. 16Ndichakomborera Sara akuberekere mwana mukomana. Ndichakomborera Sara, agova amai vendudzi dzavanhu, maari muchabudawo madzimambo avanhu.”
17Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?” 18Abhurahamu akati kuna Mwari, “Madii zvenyu kuchengetera Ishimaeri nhaka iyoyi?”
19Mwari akati, “Kwete. Sara, mudzimai wako ndiye achakuberekera mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Isaki. Iyeyu nezvizvarwa zvake ndiye wandichaita kuti chitenderano changu newe chienderere mberi nokusingaperi. 20Kana zviri zvaIshimaeri, zvawataura ndazvinzwa. Chiteerera unzwe, ndichamukomborera ndichimupa vana vakawanda. Achava tateguru wamadzishe gumi namaviri uye ndichamuita rudzi rukuru. 21Asi chitenderano changu ndichachiita naIsaki wauchaberekerwa naSara gore rinouya panguva ino.” 22Kuzoti Mwari apedza kutaura naye, Mwari akabva paiva naAbhurahamu oenda zvake kudenga.
23Abhurahamu akatora mwana wake Ishimaeri pamwechete navaranda vose vomumusha make vaiti: varanda vakaberekwa mumusha make novokutenga nemari yake. Munhu wose wechirume akadzingiswa musi iwoyo sokutaura kwakaita Mwari kwaari. 24Abhurahamu akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore ana makore mapfumbamwe paakadzingiswa. 25Ishimaeri mwana wake mukomana akanga ava namakore gumi namatatu paakadzingiswa. 26Abhurahamu nomwana wake Ishimaeri vakadzingiswa pamusi wakarewo, 27navanhurume vose vaiti vakaberekerwa mumusha make navaya vaakatenga nemari kuvatorwa vakadzingiswa pamwechete naye.
Okuqokiwe okwamanje:
Mavambo 17: SCLBD
Qhakambisa
Dlulisela
Kopisha
Ufuna ukuthi okuvelele kwakho kugcinwe kuwo wonke amadivayisi akho? Bhalisa noma ngena ngemvume
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: