Mavambo 18
18
Abhurahamu anovimbiswa mwana
1Tenzi akazviratidza kuna Abhurahamu ari pamiti yemioku yokwaMamure agere pamusuo wetendhe rake masikati zuva richipisa. 2Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. 3Akati, “Changamire wangu, kana zvichikufadzai musanyenyeredze zvenyu musha womuranda wenyu. 4Regai ndikupei tumvura, mushambe tsoka dzenyu mumbozorora zvenyu munyasi memuti, 5ini ndichikutorerai chingwa kuti mudye mudzore mwoyo mozoti mosimudzira zvenyu rwendo rwenyu nokuti ndokusaka wani mauya nokuno kune muranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita zvako sezvawataura.”
6Abhurahamu akamhanyira kuna Sara mutendhe akati, “Kurumidza kutora zviero mwero mitatu yakaenzana youpfu hwekoroni hwakatsetseka hunokwana bhagidhi uhukanye ubike chingwa.” 7Abhurahamu akamhanyira kumombe, ndokusarudza chimhuru chine nyama yakanaka yakapfava akaipa muranda wake kuti avagadzirire. 8Akatora mukaka wakakora nomumbishi nenyama yechimhuru chiya chaakanga agadzirira akavaperekera, ndokumira panyasi pavo pasi pomuti, ivo vachidya zvavo.
9Varume vaya vakazoti, “Ko Sara mudzimai wako ari kupiko?”
Abhurahamu akati, “Ari mutendhe umu.”
10Tenzi akati, “Chokwadi ini ndichakushanyirazve gore rinouya, panguva yepfumvudza. Ipapo Sara mudzimai wako achange ava nomwana mukomana.”
Izvozvo Sara aizvinzwa zvake ari mutendhe raiva kuseri kwavo. 11Abhurahamu naSara vakanga vachembera vakwegura. Sara akanga aguma, asisateveri. 12Sara akabva aseka zvake nechomumwoyo achiti, “Iyeni ndachembera kudai, ndokunge ndichada zvomurume. Handiti vatenzi vangu kukwegura kwavaita izvozvi.”
13Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’ 14Pane chinhu chingaomere Tenzi here? Saka gore rinouya panguva ino yepfumvudza ndichakushanyirazve, Sara achange ava nomwana mukomana.”
15Asi Sara akaramba akati, “Handina kuseka ini,” nokuti akanga ava kutya. Mwari akati, “Aiwa, waseka iwe.”
Abhurahamu anonamatira Sodhomu
16Varume vaya vakazosimuka vonanga kuSodhomu. Abhurahamu akavaperekedza. 17Tenzi akati, “Ko ndichavanzira Abhurahamu zvandava kuda kuita here, 18ini ndichiziva kuti Abhurahamu achazova rudzi rukuru rune simba uye kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzichakomborerwa pamusana pake? 19Kwete. Handingamuvanzire nokuti ndakamusarudza ndichiti arayire vana vake nemhuri yake ichauya, kuti vatevere ini Tenzi vachiita zvakarurama nokuitirawo vamwe zvakarurama nezvine ruenzaniso kuti ndiwane mazadzikisiro ezvandakapika kuna iye Abhurahamu.”
20Tenzi akati, “Mhosva dzeSodhomu neGomora dzasvika munzeve dzangu dzanyanya kuwanda, uye chitadzo chavo chaipisisa kwazvo. 21Naizvozvo ndiri kudzikako kundoona kana kuchema kuri kusvika munzeve dzangu kuri kukonzerwa zvechokwadi nezviito zvavo, kana zvisizvo ndigoziva.”
22Varume vaye vakabva ipapo, vakananga kuSodhomu. Abhurahamu akasara amire pana Tenzi. 23Abhurahamu akaswedera pana Tenzi akati, “Ko muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? 24Ngatiti muguta imomo mune vakarurama vanokwana makumi mashanu hamungarinzwire tsitsi here pamusana pemakumi mashanu arimo muchibva marega kuriparadza? 25Regai zvenyu kuita zvakadaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa muchienzanisa vakarurama navakaipa. Regai zvenyu kumbodaro ko iye mutongi wepasi pose angatadze here kuita zvakarurama?”
26Tenzi akati, “Kana ndikawana muSodhomu muine vanhu vakarurama vanokwana makumi mashanu ndichanzwira tsitsi guta rose pamusana pavakarurama ivavo.”
27Abhurahamu akati, “Kunyange zvangu ndiri guruva nedota, ndatsunga kutaura kwamuri Tenzi wangu. 28Ngatitii poperevedza navanhu vashanu kuti vakwane makumi mashanu avakarurama, mungaparadze here guta rose pamusana pavashanu vanenge vashayikwa?” Mwari akati, “Handingariparadze kana ndikawana muine makumi mana navashanu ivavo.”
29Abhurahamu akataurazve achiti, “Zvimwe muchawanikwa muine makumi mana.”
Mwari akati, “Handingazviite nokuda kwamakumi mana iwayo.”
30Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, regai zvenyu kunditsamwira kana ndikataurazve. Zvimwe muchawanikwa muine makumi matatu?” Mwari akati, “Handingazviite kana ndikawana muine makumi matatu iwayo.”
31Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, ndava kungoramba ndichikunyaudzai. Zvimwe muchawanikwa muine makumi maviri avakarurama.”
Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwamakumi maviri iwayo.”
32Abhurahamu akati, “Regai zvenyu kunditsamwira Tenzi wangu kana ndikataurazve kamwechete koga. Zvimwe muchawanikwa muine gumi rimwechete ravanhu.”
Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwegumi iroro.”
33Tenzi paakapedza kutaura naAbhurahamu akabva aenda zvake, Abhurahamu ndokudzokerawo zvake kwake.
Okuqokiwe okwamanje:
Mavambo 18: SCLBD
Qhakambisa
Dlulisela
Kopisha
Ufuna ukuthi okuvelele kwakho kugcinwe kuwo wonke amadivayisi akho? Bhalisa noma ngena ngemvume
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: