Genesi 32
32
Jakobo unorwa nomutumŋa. Unosoŋgana naEsau.
1Ɀino Jakobo wakaenda nenzira yake, ʋatumŋa ʋaMŋari ndokusoŋgana naye. 2Wakati aciʋaʋona, Jakobo akati: Ihondo yaMŋari; akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Mahanaimi.
3Ɀino Jakobo akatuma nhume pamberi pake kunaEsau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdomi. 4Akaʋaraira, akati: Taurai nashe waŋgu, Esau, muti: Ɀanzi nomuranda wenyu Jakobo: Ndakaŋga ndiri mutorwa kunaRabani, ndikagara’ko kuȿikira ɀino; 5ndineŋombe, nemboŋgoro, namakwai, naʋaranda, naʋarandakadzi; ndatuma ʋanhu kuzoʋudza ishe waŋgu iɀeɀi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu 6Nhume dzikadzokera kunaJakobo, dzikati: Takandoȿika kumukuru wenyu Esau; naiye unoʋuya kuzosoŋgana nemi anaʋarume ʋanamazana manna. 7Jakobo akatya kwaɀo, akatambudzika; akaparadzanisa ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, namakwai neŋombe namakamera, akaita mapoka maʋiri; 8akati: Kana Esau akaȿika kunerimŋe ɓoka, akariparadza, ɓoka rakasara riŋgatiza. 9Ɀino Jakobo akati: Imi, Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu Abrahama, naMŋari waɓaɓa ʋaŋgu Isaka; imi Jehova, ndimi makati kwandiri: Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira ɀakanaka; 10handina‐kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridani urwu netȿimbo yaŋgu yoga; ɀino ndaʋa mapoka maʋiri. 11Ƌondirwirai paruʋoko rwomukuru waŋgu, paruʋoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti ucaʋuya akandiparadza ini, namai, pamŋe cete naʋana. 12Ndimi makati: Ɀirokwaɀo ndicakuitira ɀakanaka, ndicaita ʋo rudzi rwako sejeca reguŋgwa, risiŋgagoni kuʋereŋgwa nokuwanda kwaro. 13Akaʋata’po ʋusiku ubgo; akatora ɀimŋe kuneɀaakaŋga anaɀo, kuti ciʋe cipo kunaEsau, mukuru wake; 14ɀaiti: Nhunɀi dzembudzi dzinamazana maʋiri, nenhoŋgo dzinamakumi maʋiri, namatunɀi amakwai anamazana maʋiri, namakondobge anamakumi maʋiri, 15namakamera anokamŋa anamakumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzeŋombe dzinamakumi manna, nehando dzeŋombe dzinegumi, namakadzi emboŋgoro anamakumi maʋiri, nemhuru dzinegumi. 16Akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, ɓoka rimŋe nerimŋe riri roga; akati kuʋaranda ʋake: Yambukai pamberi paŋgu, musiye runhambo pakati peɓoka rimŋe nerimŋe. 17Akaraira wokutaŋga, akati: Kana Esau, mukuru waŋgu, akasoŋgana newe, akabvunza, aciti: Uri munhu waaniko — Unoendepiko — Iɀi ɀiri pamberi pako ndeɀaani? 18Uti: Ndeɀomuranda wenyu Jakobo; cipo cakatumirwa ishe waŋgu Esau; tarirai, naiye uri mashure meɗu ʋo; 19akaraira ʋo wecipiri nowecitatu, naʋose ʋakaŋga ʋaciteʋera mapoka, akati: Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muciɗaro; 20muti: Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobo uri mashure meɗu. Nokuti wakati: Ndicambomunyaradza necipo cinondituŋgamirira, ndigoti ndoʋona ciso cake; ɀimŋe ucandigamucira. 21Naiɀoɀo cipo cakayambuswa mberi kwake; asi iye amene wakaʋata ʋusiku ubgo pakati peʋuŋgano.
22Ɀino wakamuka ʋusiku ubgo, akatora ʋakadzi ʋake ʋaʋiri naʋarandakadzi ʋake ʋaʋiri, naʋana ʋake ʋanegumi nomumŋe, akayambuka pazambuko reJaboko. 23Akaʋatora, akaʋayambusa parukoʋa, akayambusa ʋo ɀaakaŋga anaɀo. 24Asi Jakobo wakasara ari oga; mumŋe murume akaita mitsimba naye kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka. 25Ɀino wakati aciʋona kuti haagoni kumukunda, akamuɓata pahudyu, hudyu ikaniŋguka nemitsimba naye. 26Iye akati: Cindirega ndiende, nokuti ʋutoŋga bgotȿuka. Iye akati: Handiŋgakuregiyi kuti muende, musati mandiropafadza. 27Akati kwaari: Zita rako ndianiko — Iye akati: Jakobo. 28Akati: Zita rako haricazonzi Jakobo, asi Israeri; nokuti wakarwa naMŋari naʋanhu, ukakunda. 29Jakobo akamubvunza, akati: Ndiʋudzei ʋo zita renyu. Iye akati: Unondibvunzireiko zita raŋgu — Akamuropafadza ipapo. 30Ɀino Jakobo akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Penieri; nokuti wakati: Ndakaʋonana naMŋari, ʋupenyu bgaŋgu ʋukaceŋgetwa. 31Zuʋa rikamuɓuɗira acipfuʋura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. 32Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋadyi nanhasi runda rehudyu riri pafupa rehudyu; nokuti wakaɓata hudyu yaJakobo parunda rehudyu.
Селектирано:
Genesi 32: SUB1949
Нагласи
Сподели
Копирај
Дали сакаш да ги зачуваш Нагласувањата на сите твои уреди? Пријави се или најави се
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018