Genesi 33
33
1Ɀino Jakobo akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona Esau aciʋuya anaʋarume ʋanamazana manna. Akagoʋera ʋana kunaRakeri naRea naʋarandakadzi ʋaʋiri. 2Akaisa ʋarandakadzi naʋana ʋaʋo mberi, Rea naʋana ʋake shure kwaʋo, naRakeri naJosefa pakupedzisira. 3Iye amene akapfuʋura aciʋatuŋgamirira, akakotamira pasi kaŋomŋe, kuȿikira asweɗera pedyo nomukuru wake. 4Ipapo Esau akamhanyira kundosoŋgana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumuȿeta; ʋakacema ʋose. 5Akasimudza meso ake, akaʋona ʋakadzi naʋana, akati: Aʋa ʋaunaʋo ndiʋanani — Iye akati: Ndiʋo ʋana ʋakapiwa muranda wenyu naMŋari nenyasha dzake. 6Ʋarandakadzi ʋakasweɗera, iʋo naʋana ʋaʋo, ʋakakotama. 7NaRea naʋana ʋake ʋakasweɗera ʋo, ʋakakotama; pashure Josefa naRakeri ʋakasweɗera, ʋakakotama. 8Akati: Ko ɓoka iri rose randasoŋgana naro ndereiko — Iye akati: Kuti ndiwane nyasha kunashe waŋgu. 9Esau akati: Ini ndineɀizhinji, munuŋuna waŋgu; iɀo ɀaunaɀo, ŋgaɀiʋe ɀako. 10Jakobo akati: Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri ɀino, ndinokumbiro kuti mugamucire cipo caŋgu paruʋoko rwaŋgu; nokuti ndaʋona ciso cenyu, cikaita seciso caMŋari, mukafara neni. 11Gamucirai henyu cipo caŋgu camunopiwa; nokuti Mŋari wakandiitira nyasha, ndineɀizhinji. Akamugwaririra, akazocitora. 12Akati: Ŋgatipfuʋure heɗu parwendo rweɗu, tiende, ini ndicakutuŋgamirira. 13Iye akati kwaari: Ishe waŋgu unoziʋa kuti ʋana ʋaciri ʋaɗuku, ʋuye kuti makwai neŋombe ɀandinaɀo ɀinomŋisa; kana ʋakaɀitinhisa zuʋa rimŋe, ɀipfuwo ɀose ɀicafa. 14Ishe waŋgu ŋgaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndicanatso‐ɀisesedza seɀaɀinogona kufamba, iɀi ɀipfuwo ɀiri pamberi paŋgu, naʋana seɀaʋanogona kufamba, kudzimana ndaȿika kunashe waŋgu paSeiri. 15Esau akati: Ɀino ŋgandisiye kwauri ʋamŋe ʋanhu ʋandinaʋo. Iye akati: Mucaitireiko kuɗaro — Ndiwane haŋgu nyasha kunashe waŋgu. 16Naiɀoɀo Esau akadzoka zuʋa iro, akaenda Seiri. 17Asi Jakobo wakaenda Sukoti, akaɀiʋakira imba, akaitira ɀipfuwo ɀake mataŋga; naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakanzi Sukoti.
18Jakobo akaȿika ɀakanaka kuguta reShekemi, riri panyika yeKanani, pakubva kwake paPadani‐arami; akadzika matente ake pakatarisana neguta. 19Akateŋga rutiʋi rwenyika, paakaŋga apetenura tente rake, kuʋana ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi, nezana remari. 20Akaʋaka’po artari, akaritumidza zita rinonzi Eri‐erohe‐Israeri.
Селектирано:
Genesi 33: SUB1949
Нагласи
Сподели
Копирај
Дали сакаш да ги зачуваш Нагласувањата на сите твои уреди? Пријави се или најави се
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018